1. Tinotenda kuti Magwaro Matsvene eTestamente yekare NeItsva akapiwa nokufemerwa kwamwari; zve uyu ndiwobedzi Murau Mutsvene wokutenda nokuita kwavaKristu.
2. Tinotenda kuti kuna Mwari mumwechete wakaruramisa kwazvo, Musiki, Muchengeti noMutongi wezvinhu zvose, zve ndiye chete anofanira kunamatwa.
3. Tinotenda kuti kune Utatu hwamwari, Baba, Mwanakomana noMweya Mutsvene, hapana mutsauko pachimiro chavo, vane simba rimwe chete nokukudzwa kumwe chete.
4. Tinotenda kuti muunhu hwaJesu Kristu mune Umwari neunhu zvakabatanidzwa pamwe chete, naizvozvo ndiMwari chaiye wechokwadi, no munhu chaiye wechokwadi.
5. Tinotenda kuti vabereki vedu vekutangavakasikwa vasinamhosva, asi nokusateerera kwavo vakarasikirwa noutsvene norufaro rwavo, kukagoti nokuwa kwavakaita kwaita kuti vanhu vose vave vatadzi vakarasikirwa, naizvozvo vakaiswa pachena nokuhasha dzaMwari.
6. Tinotenda kuti kutambudzika norufu rwaIshe Jesu Kristu zvakave kununurwa kwenyika yose kugoti wose anoda aponiswe.
7. Tinotenda kuti rudzoko kuna Mwari nerutendo kuna Ishe wedu Jesu Kristu nekuzvarwa patsva noMweya Mutsvene zvakakodzera ruponiso.
8. Tinotenda kuti tinoruramiswa nengoni nokuve norutendo kuna Ishe wedu Jesu Kristu kugoti uyo anotenda ave nouchapupu pachake.
9. Tinotenda kuti tingarambe takaponeswa kana taramba tichiteerera norutendo kuna Kristu.
10. Tinotenda kuti vose vanotenda vangasarudze kutsveniswa uyezve Mweya yavo yose nemiviri igochengetwa isina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu kristu.
11. Tinotenda mukusafa kwomweya nomukumuka kwomuviri kuvashakabvu nomukutongwa kwavanhu vose pakuguma kwenyika nomukufarakusina ukoni kwavakarurama nomukurangwa kusingagume kwavakaipa.


